Amai vaLivingstone Sunhwa vodurura kurwadziwa kwavo

01 Jul, 2022 - 13:07 0 Views
Amai vaLivingstone Sunhwa vodurura kurwadziwa kwavo Livingstone Sunhwa

Kwayedza

Samuel Kadungure

ZVICHITEVERA kutsakatika kwaLivingstone Sunhwa pachikoro chaaidzidza cheSt Mathias Tsonzo High chiri kwaMutare nemusi wa6 Zvita gore rakapera uye nekuzowanikwa kwemarangwanda pedyo nechikoro ichi ayo ari kufungidzirwa kuti ndeake, amai vake vanoti vane idi kuti mwana wavo akafa nekupondwa.

Marangwanda anofungidzirwa kuti ndeaLivingstone akawanikwa nemusi weChishanu svondo rapera nechikwata chematikitivha eCriminal Investigation Department (CID) musango riri pedyo nechikoro ichi.

Matikitivha pari zvino vari mushishi yekuti marangwanda aya aongororwe kuti ndeani kuburikidza nenzira yeDeoxyribonucleic Acid (DNA).

Mai Tadya, vanove amai vaLivingstone, nemhuri yavo vanoti vari kuomerwa nekuda kwemamiriro akaita nyaya iyi sezvo vachiti vakuru vechikoro chaipinda mwana wavo avo vanova vaigara naye, havasi kudyidzana navo kubva pakashaikwa mukomana uyu.

Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rakapa mashoko ekusuwa kwaro kukuru nekuda kwekutsakatika kwemwana uyu uye mukuru wechikoro ichi, VaMaxwell Sambona, vakatombomiswa basa apo kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Mai Tadya vanoti vari kushungurudzika zvikuru kuti nyaya yekutsakatika kwemwanakomana wavo iri kutaurwa nepakasiyana-siyana kuburikidza nedandemutande reSocial Media uye zvimwe zvacho zviri kuburitswa vanenge vasingade kuti zviziviswe kuruzhinji.

Vanoti vanotarisira kuti vanhu vose vakakonzera kushaikwa kwemwana wavo vasungwe uye vorangwa nemutemo.

Mai Tadya vanoti vakarera Livingstone pamwe chete nehanzvadzi yake – Pride – zvichitevera kufa kwababa vavo mugore ra2010.

“Handimbofa ndakapora kubva mumaronda ekushaya mwana aya, ndichararama nekurwadziwa uku kweupenyu hwose zuva roga-roga. Pasina amai nehanzvadzi, pasina mumwe munhu, akarwadziwa zvakadii mwana wangu?” vanodaro Mai Tadya.

“Zvinoita sekunge ndakadzurwa mweya nekuda kwenyaya iyi. Zvinondirwadza kusvika pamwongo chaipo, kurasikirwa nemwana. Vamwe vabereki vakambosangana nedambudziko rakadai vanozviziva.

“Zvinonyanya kurwadza ndezvekuti mwana uyu akashaika ari mumaoko mevanhu vaifanirwa kunge vachimuchengetedza,” vanodaro Mai Tadya.

“Handisati ndawana mashoko anobva kuvakuru vechikoro kana kuchechi yeAnglican varidzi vechikoro zvisinei nekuti mwana uyu akashaika ari mumawoko echikoro chavo cheSt Mathias Tsonzo High.

“Vanoti here Livingstone havamuzive pachikoro chavo?” vanodaro Mai Tadya.

Vanoti mwedzi mishoma yadarika, vaifungira kuti vaizowana mwana wavo ari mupenyu, voenderera mberi nekumutengera mbatya sezvavasiita kare.

“Ndakamutengera track bottom nedzimwe mbatya dzemuchando nelay-bye kuSouth Africa, dzimwe dzembatya idzo ndakauya nadzo mumwedzi waZvita dzichiripo. Handina kumbofunga kuti ndichawana mwana wangu akafa,” vanodaro Mai Tadya.

“Ndakapedzisira kutaura naye nemusi wa3 Zvita apo akanditumira mashoko panhare yangu nenguva dza4 mangwanani achiti, ‘Mangwanani amai, ndava kuenda kunoverenga.’

“Ndiwo akava mashoko ekugumisira kutaura naye. Ndaiva netarisiro huru kumwana wangu. Aitaura kuti aida kuzoita economist uye aiva neramangwana rakajeka asi adamburirwa upenyu hwake pamugwagwa.

“Munhu aida zvekuverenga zvakanyanya uyewo aiva akanyarara aine rukudzo.”

Mai Tadya vanoti ongororo iri kuitwa yeDNA ikabuda ichiratidza kuti marangwanda aya haasi emwana wavo, vachaenderera mberi nekumutsvaga kusvikira awanikwa – kunyangwe akafa kana kuti ari mupenyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey